Luke 20

Simba raJesu rinobvepi

1Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru, 2ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri? 3Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze: 4Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? 5Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; achati: Naizvozvo makaregerei kumutenda? 6Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vese vachatitaka nemabwe; nokuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita. 7Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva. 8Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.

Mufananidzo wevarimi vakaipa

9Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu; 10zvino nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu. 11Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu. 12Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze. 13Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza. 14Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu. 15Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achavaitirei? 16Achauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemizambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro! 17Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona? 18Wese anowira pamusoro pebwe iro, achavhuniwa-vhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya.

Kuripira Kesari mutero

19Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyu akanangana navo.

20Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri. 21Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi. 22Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete? 23Asi wakaziva unyengeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei? 24Ndiratidzei dhenario*; rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari. 25Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. 26Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.

Vanobvunza Jesu pamusoro pekumuka kwevakafa

27Zvino kwakaswedera vamwe veVaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka, ndokumubvunza, 28vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu. 29Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina mwana; 30newechipiri akatora mukadzi uyo, neuyu akafa asina mwana; 31newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa. 32Pakupedzisira kwavo vese mukadzi wakafawo. 33Naizvozvo pakumuka, achava mukadzi waani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye semukadzi.

34Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa; 35asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kubva kuvakafa havawani kana kuwaniswa; 36nokuti havagoni kufazve; nokuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka. 37Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi reminzwa, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. 38Nokuti haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nokuti vese vanoraramira iye.

39Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka. 40Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.

Kristu Mwanakomana waDhavhidhi

41Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi? 42Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, 43kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. 44Naizvozvo Dhavhidhi anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?

Jesu anonyevera vadzidzi vake

45Zvino vanhu vese vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake: 46Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo; 47vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira mutongo mukuru.

Copyright information for Shona